Nguva (nge. time, duration) kana nguwa ienderero ye chamuteverano che vuzima uye zviitiko zvinoitika murondo rwusingakunukudzwe kubva murukare, muruzvino uye muramangwana. Chisanganiswa chehuwandu hwe zvipimo zvakasiyana zvinoshandiswa kutevedza zviitiko, kuenzanisa nguva-inotorwa ye zviitiko kana maindavhoro aripakati pawo, uye kukwandifaya rheti ye shanduko ye huwandu hwemumtumbi pavudi kana murupepuko rwe itiko. Nguva inowanzo dudzwa se utandu una, pamwe ne utandu unhatu we chadenga.
Nguva yagarisa iri nhauro yakakosha ye kudzidza muchinamato, ugondamano uye sainzi, asi kuipa chirevo munzira inopinda mundimafundo dzose pasina chirevo chinozivikwana kwakakonzera kukanganisa vafundi (maskola). Zvakadaro, ndimafundo dzakasiyana senge bhizimusi, hushangazhi, maspoti, masainzi, uye zviseza zvokupefoma zvinosanganisa nosheni yenguva mumitandira ye kupima yazvo.
Nguva inopimwa nezviyero zvinonzi: chepiri (s), mhindi (mhin), rinhambo (nh). Musi umwe une mamanhambo makumi maviri nemana (24 hr). Rinhambo rimwe rine makumi matanhatu emhindi. Mhindi rimwe rine makumi matanhatu echepiri.